Handira (nyeredzi)
Ruambanyeredzi | Erisi | ♈︎ | ♉︎ | ♊︎ | ♋︎ | ♌︎ | ♍︎ | ♎︎ | ♏︎ | ♐︎ | ♑︎ | ♒︎ | ♓︎ |

Ratidzo yeZodhiyaki | Handira |
---|---|
Nguva(kumadokero) | Kubvumbi 19 – Chivabvu 20 |
Unganyeredzi | Handira (Torisi) |
Nhangande yeZodhiyaki | Pasi |
Umiriro muZodhiyaki | Vatsigi |
Mutongi | Hweva |
Isva | Chinyakare: MrongazuvaIkozvino: Pwuto |
Unhongi | Mwedzi |
Udonho | Yuranisi |

Handira (Chirungu: Taurus) kana Torisi ndicho chiratidzo chechipiri cheruambanyeredzi mune zodhiyaki yemazuva ano. Inotenderera kubva pa30 ° kusvika 60 ° yeZodhiyaki. Chiratidzo ichi ndechepasi kana chechi katatu (triplicity), uye ndeche Ukadzi pamusoro pezvo chaka gwinywa (fixed). Handira inotongwa naHweva pamwechete naPima. Mwedzi uri mukukwiridzirwa kwawo pano chaipo pa3 °. Zuva rinotamisa chiratidzo ichi kubva musi wa 21 Kubvumbi kusvika 20 Chivabvu muruambanyeredzi yekumadokero.[1]
Handira inoteera Hondowe, chiratidzo chekutanga, iyo ichibva yateerwa naMamanga.
Vambo rezita
Iro zita rekuti Handira rinoreva kuti 'bull' muChishona.
Mamwe mazita:
- Hando
- Bhuru (kubva kuChirungu
Mu Ruambanyeredzi
Handira ndiyo yakagadziriswa modhi yezviratidzo zvitatu zvepasi, zvimwe zviri Mhandara neMbudzi. Mukuongorora nyeredzi, zvirevo zvikuru zvepuraneti zviri pasi pechiratidzo ichi zvakasindimara, zvinodziya, uye zvinofadza mune zvepanyika.
Mabviro eruzivo
Preview of references
- ↑ Oxford 2019.