Mariro

Mariro (nge. funeral) rinoreva panguva kana panzvimbo pakawunganiwa kuchema munhu afa. Rufu rwunoreva kuti pane munhu afa saka mashoko aya anoshandisw achitsivana nokuti anonongedza kuchinhu chimwe.

Kurerutsa Mutauro

  • Kunyaradza (comfort, console) kuvaraidza; kugadza moyo; kukungura; kukumbura. Zvichida ndipo panobva zita renzvimbo rokuti Mukumbura?
  • Mashuramo kana mavhuramo (Period of stress worry. mourning) Tongai akanga ari mumavhuramo mazuva mashoma akapera: Tongai went through a period of stress a few days ago.
  • Rutondedzo kana chiyeuchidzo (memorial; a reminder) apa kureva nguva inosangana vanhu vachipemberera nokurangarira hupenyu hwemushakabvu. Vamwe vanovaka chivakwa chinovayeuchidza mudiwa wayo akavasiya - ichi chivakwa rutondedzo zvakare.
  • Kuembedzera (to comfort) izwi reChiNdau. Genesis 24:67, ...... Ndizvo Isaka wakaembedzerwa ngesure kwokufa kwamai ake. (Bhaibheri reChiNdau)

Tarisai futi: