Njodzi

Njodzi (danger, misfortune, hazard, risk, ill-luck) zvinoreva chinhu chinokwanisa kukonzera tsaona inokuvadza kana kuuraya. Tsaona ingava inokuvadza vanhu, muchina, muchovha, zvivakwa kana nzvimbo dzakakomberedza.


Mukusiyanisa njodzi netsaona pano tiri kuedza kuturikira mashoko anoshandiswa kuEnglish kuti tikwanise kusiyanisa zvinhu zvatiri kutaura kumabasa neChirungu mazuva ose. Shoko rokuti incident richaturikirwa pano richinzi kuwirwa nenjodzi.

  • Chivandira zvinoreva njodzi yakavandika isati yaonekwa kana kuzivikanwa.
  • Kubangaradza kana kuzvisina (risk one's life) zvinoreva kuisa upenyu hwako pane njodzi.,
  • Dindiridza (Leave unguarded).
  • Bandamba (bad luck - incidental). Ane bandamba - he is accident prone.
  • Chikotera (Dangerous situation from which there is no escape).
  • Bosho (danger from which one escaped, a great danger) apa kutaura njodzi yawakapunyuka. Izwi iri rinokwanisa kuturikira near miss.
  • Pfumvu, netso kana njodzi (danger; trouble).

Kurerutsa Mutauro

  • Kunyanyomhanyisa motokari kune njodzi yokuzotadza kudzora motokari pamugwagwa zvinokonzera tsaona.
  • Kubatidza mwenje werambhi pane machira kune njodzi yekuti machira anobata moto pedzezvo imba yose yotsva.
  • Kunwa mvura yacherwa mugapwa kune njodzi yokuti mvura iyi inogona kunge ine hutachiona hunounza zvirwere.

Mhando dzeNjodzi

Idzi ndidzo dzimwe mhando dzenjodzi dzinowoekwa kumabasa:

  • Chitsvuku kana chishava (Occurrence in which blood is shed) apa kureva chitiko chinosanganisira kudeuka kweropa.
  • Kudonha kubva pakakwirira (falling from heights).
  • Kumbandidzirwa (pinch points).
  • Gas rinokachidzwa
  • Tsaona dzeMichova
  • Kubatirira pamichina
  • Simbi dzinopisa

Mitauro yeBantu

  • MaZulu vanoti injozi kana ingozi (n. danger, wound) kureva njodzi kana chironda.
  • MaZulu vanoti dindiliza (v. lie exposed - as an abundant crop, e.g. pumpkins) kureva kudindiridza kana kusiya pachena. Nyaudzosingwi dindilizi (ideo of lying stark naked isidindili).
  • Nothern Sotho vanoti kotsi (n. danger) kureva njodzi. VaVenda vanoti khombo (n. danger).