Zhizha
Tempereti zoni ye Maodzanyemba | |
---|---|
Mwaka we Astronomical | 21 Chikumi – 23 Gunyana |
Mwaka we Meteorological | 1 Chikumi – 31 Nyamavhuvhu |
Mwaka we Solar (Celtic) | 1 Chivabvu – 31 Chikunguru |
Tempereti zoni ye Chamhembe | |
Mwaka we Astronomical | 22 Zvita – 21 Kurume |
Mwaka we Meteorological | 1 Zvita – 28/29 Kukadzi |
Mwaka we Solar (Celtic) | 1 Mbudzi – 31 Ndira |
Zhizha (ku Chingezi: summer; rainy season) kana zhezha inguva inonaya mvura vanhu vachizodyara mbesa muminda. Shiri dzinotevera kudziya nekunaya dzinouyawo dzichibva kure.
Mamwe mazita
Maenza, zienza, zhizha kana zhezha - ndiwo mazita ese anoshandisirwa pamusoro peZhizha.
Mashoko ekuti Maenza kana Zienza arikushandisirwa kumirira mwaka wemvura - rainy season/wet season.
Mitauro yeAfrika
- Kutuk inoti kiser (n. the beginning of the rainy season) kureva munhuruka. Mamwe mazwi: jawe (n. the rainy season, and when everything grows).
- VaLenje vanoti mainsa (rainy season; period of heavy rains November to March) kureva maenza.
- Baila neNsenga vanoti mainza (summer, rainy season. November to March) kureva maenza.
- Taabwa vanoti mainza (n. rainy season) kureva maenza. Mamwe mazwi: kuinzisya (v. to be in full swing; to be at your best).
- Chewa inoti dzinja (n. rainy season) kureva zhizha. Kwanyama vanoti -ziza (adj. green).