Jorodhani

Umambo we Jorodhani weVuhashemu
Mitauro ye Chihofisi
Chiarabhu: المملكة الأردنية الهاشمية

Al-Mamlakah Al-’Urdunniyyah Al-Hāshimiyyah

Rwiyo: السلام الملكي الأردني, "Long Live the King"

Jorodhani (muChiarabhu: الأردن‎ al-Urdunn) kana Urudhani, uye pachihofisi ichinzi , Umambo we Jorodhani weVuhashemu, inyika iri kumadokero e Ezhiya. Yakagadzikwa panosanga Afurika, Ezhiya uye ne Yuropu, muchisi che Levant, kuGombe re Mabvazuva rwe Rwizi Jorodhani. Jorodhani inoganhurana ne Saudhi Arabhiya kuchamhembe ne kumabvazuva, Iraki kumaodzanyembaemabvazuva, Siriya kumaodzanyemba uye Gombe reMadokero rePalestini, Iziraeri, uye Bhahari Rerufu kumadokero. Ine 26 makiromita (16 mi) kostilayini kuchamhembechemadokero paGuhwi re Akava re Bhahari Dzvuku, rinopatsanura Jorodhani ne Ijipita. Gutaguru re Jorodhani rinonzi Amman, ndiro futi gutarihombe uyezve ndiro rinoringirwa pamusaka pezve rupanganhundu, hutonganyika, ne tsika.