Muronga wechikafu

Muronga wechikafu kana hurwana (alimentary canal) zvinoreva nhengo dzinodzika nadzo nechikafu: chichibva mukanwa; chopfuura nepahuro; dumbu; matumbu; muromo wangoshi; dzamara chasvika kunobuda.

Mamwe Mazwi

  • Kupatirwa kana kudzivirirwa (to be constipated) kutadza kubuditsa tsvina panoenda munhu kuchimbuzi.
  • Kuronda kana kudika (Block food passage as hastily eaten sweet potato does) zvichireva kudzipwa nechikafu sezvinoita munhu achimbidza kumedza mbambaira hombe.