Muronga wechikafu
Muronga wechikafu kana hurwana (alimentary canal) zvinoreva nhengo dzinodzika nadzo nechikafu: chichibva mukanwa; chopfuura nepahuro; dumbu; matumbu; muromo wangoshi; dzamara chasvika kunobuda.
Mamwe Mazwi
- Kupatirwa kana kudzivirirwa (to be constipated) kutadza kubuditsa tsvina panoenda munhu kuchimbuzi.
- Kuronda kana kudika (Block food passage as hastily eaten sweet potato does) zvichireva kudzipwa nechikafu sezvinoita munhu achimbidza kumedza mbambaira hombe.