Vhudzi

Vhudzi kana bvudzi (Hair in English) imhando yemvere rinomera pamuviri wemunhu munzvimbo dzakasiyana. Vhudzi rinowanda mumusoro, chirebvu, maziso, nehudyu.

Tsiye dzinodzivirira maziso kuguruva, tsvina, dikita

.

Imvi (grey or white hair) zvichireva vhudzi jena.

  • Bumhu (forelock, the lock of hair that grows from the fore part of the head).
  • Zhumu (smalll tuft of hair on head).
  • Dendevure kana rudongo (tuft on head). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Chitongo?
  • Motsi (Short curly hair; short woolly hair) kureva vhudzi rakamonyana.
  • Kuita motsi (to curl hair).
  • Mutsikwa kana nduni (big bunch of hair, matted).
  • Betu kana gwarakwara (strip of hair).
  • Nhemba kana nhesa (round patch on top of head). Vamwe vangati munhemba.
  • Gushe kana makushe pakuwanda (a bristle, hair on animals or bodies of men, fur).

Kurerutsa

  • Changarara (Shock of hair 2. Shockhead). Ane changarara: his hair is uncombed and unkempt.
  • Chakaringanwa ibvudzi upfumi hahuna kuringanwa. What is shared by everybody is hair, riches are not shared (equally).
  • Chakaenzanwa ibvudzi, hupfumi hahuna kuenzanwa. That which is equal is hair; riches are not equal.*

Mitauro yeAfrika

  • Swahili vanoti mavudzi (body hair - armpits, pubic etc) ivhudzi remuhapwa nenhengo dzakavanzika. Sagara vanoti mvili (n. hair of head) ivhudzi.
  • Digo vanoti nyere kana nywele (hair) kureva vhudzi. Ngiemboon vanoti mvèmvɛ̀ (n. hair) kureva vhudzi.
  • VaKabwa vanoti obhujoki (body hair - armpits, pubic etc) kureva vhudzi remuhapwa nenhengo dzakavanzika.
  • MaZulu vanoti utshoya kureva vhudzi. Nyungwe inoti tsitsi kureva vhudzi. Maore inoti nyele kureva vhudzi.
  • Tuwuli inoti solo (n. Human hair) kureva bvudzi. Sangho inoti kuali (n. hair) kureva vhudzi.