Chitaka

Chitaka kana chiropa (Liver in English) inhengo yakakosha yemuviri inowanikwa pamhuka dzine muzongoza nedziwewo ndudzi dzemhuka. Nhengo iyi inemabasa akawanda anosanganisira:

  • Kubvisa tsvina inenge yakatakurwa neropa kubva mumuviri.
  • Kuumba protein.
  • Kugadzira mishonga inodikanwa pakuwotesa chikafu.

Chitaka chinotodiwa kuti munhu ararame, pari zvino hakuna nzira yokutsiva kusavepo kwechitaka kwenguva yakareba. Kusukwa kweropa muChipatara kunochenesa ropa kwenguva pfupi.

Mamwe Mazwi

  • Chitaka (Strong material) vachireva nhumbi yakasimba.

Mitauro yeBantu

  • Nyungwe inoti ciropa (liver) kureva chitaka.
  • Luwanga inoti eshitakhalira (liver) kureva chitaka.
  • Luganda inoti ekitaka (n. brown. The liver is reddish-brown in colour) kureva bhurauni.
  • Runyambo inoti citaka (adj. brown) kureva brauni.